Nguva (nge. time, duration) kana nguwa ienderero ye sikwenzi ye uzima uye zviitiko zvinoitika musasesheni isingarhivhesike kubva kurukare, muruzvino uye muramangwana. Ikomponenti kwanditi ye zvipimo zvakasiyana zvinoshandiswa kusikwenza zviitiko, kuenzanisa nguvainotorwa (dhuresheni) ye zviitiko kana maindavhoro aripakati pawo, uye kukwandifaya rheti ye shanduko ye makwanditi emumtumbi pavudi kana murupepuko rwe itiko (ekspiriyenzi). Nguva inowanzo dudzwa ichinzi se utandu una, pamwe ne utandu unhatu we chadenga.

Nguva yagarisa iri nhauro yakakosha ye kudzidza muchinamato, ugondamano uye sainzi, asi kuipa chirevo munzira inopinda mundimafundo dzose pasina chirevo chinozivikwa (circular definition) kwakakonzera kukanganisa vafundi (maskola). Zvakadaro, ndimafundo dzakasiyana senge bhizimusi, hushangazhi, maspoti, masainzi, uye zviseza zvokupefoma (performing arts) zvinosanganisa nosheni yenguva mumitandira ye kupima yazvo.

Nguva inopimwa nezviyero zvinonzi: sekondi(s), mineti (min), awa (h). Musi umwe une maAwa makumi maviri nemana (24h). Awa rimwe rine makumi matanhatu emineti. Mineti imwe ine makumi matanhatu esekondi.

  • Kudzamara, dzamara, kudzimara, kudzingara - ishoko rinotaurwa kurevera chinhu chiri kuitwa iko zvino chichizomira kana kushanduka kana imwe nguva yasvika. Somuenzaniso - ticharima dhunduru rekumadokero kudzamara zuva ravira. Ticharamba tichifamba kudzamara tasvika pane misha.
  • Metsa (until) izwi reChiNdau rinofanana nokuti kudzimara. Sokuti metsa nhasi (until today) kusvika nhasi. Metsa auye (until he comes) kudzimara auye.
  • Ruth 1:19, Ndizvo vairi ava vakaenda metsa vaguma Bhetherehema: So the two of them went on until they came to Bethlehem. (kubva muBhaibheri reChiNdau )

Nguva ye ChishonaEdit

nguva pa wachi Chishona nguva pa wachi Chishona Nguva pa wachi (inogona kuva iyi futi)
Kuseniseni
4:00am – 4:59am mambamkwedza; mashambanzou ante meridien; AM makuseni; KSN 4:00ksn – 4:59ksn
5:00am – 5:59am runyanhiriri; mafuramhembwe 5:00ksn – 5:59ksn
Mangwanani
6:00am – 9:59am rudziyamushana; rudziyakamwe 6:00ksn – 9:59ksn
10:00am – 11:59am rurovanhongonya 10:00ksn – 11:59ksn
Masikati
12:00pm – 14:59pm masikati post meridien; PM masikati; SKT 12:00skt – 14:59skt
15:00pm – 16:59pm madeukira [madekwana] 15:00skt – 16:59skt
Madeko
17:00pm – 17:59pm rukunzvikunzvi 17:00skt – 17:59mskt
18:00pm – 18:59pm rufuramhembwe [manhoko] 18:00skt – 18:59skt
Manheru
19:00pm – 19:59pm ruvhunzavaeni 19:00skt – 19:59skt
Usiku
20:00pm – 3:59am usiku 20:00skt – 3:59skt

Zvinyorwa zve vufundoEdit

Mwero wenguvaEdit

Kurerutsa MutauroEdit

  • Mati sekuru vachasvika nhamboi?
  • Mugarakare (Object that has lasted long, or will last long, or has been a long time in its present position).
  • Hunderere, hunyata, kana tsva-a (ideo of Growing dark at dusk). Kunze kwava kuti hunderere: dusk is falling.
  • Apo nyika ichindoripo mukuwo wokukusha nokukukura, kutonhora nokupisha, chirimo nechando, masikati nousiku azvizokoreri, Genesis 8:23 (kubva muBhaibheri reChiNdau).
  • Chinguri ndamuka handina kumbobuda panze.
  • Chiko ndakabarwa handisati ndamboona nzunza.
  • Chingo chandapinda handisati ndaonana naChiremba.

TsumoEdit

  • Zuva ravira radoka usiku hahuriri shiri. After sunset, it dawns (already); birds do not sing at night.
  • Pasi mupindu panopinduka. The world is liable to change, it changes.

Mashoko ashandiswaEdit

sikwenzi (sequence) itiko (experience, qualia) ndimafundo (field of study)
mtumbi pavudi (material reality) utandu una (fourth dimension)
indavhoro (interval) utandu utatu we chadenga (three-dimensional space)
rupepuko (conscious) chadenga (space)

Mitauro ye ChibantuEdit

  • Mang'anja inoti ntawi (n. time) kureva nguva. Nyungwe inoti nthawe (time) kureva nguva. Kagulu inoti chigele (time).
  • Zigula neDigo inoti chipindi (awhile, while, time, channel, episode; Period of time) kureva nhambwe yenguva. Yao inoti katema (time, occasion, season, date).
  • Nyanja inoti bindikiza (n. to be permanent). Shambala inoti minga (n. time) kureva nguva. Kinande inoti endambi (time) kureva nguva.
  • Makua inoti okathi (n. time) kureva nguva. Ndebele inoti isikathi. Luganda inoti mlundi (a time) kureva chinguva. Kinande inoti -tambi (time, duration) kureva nhambo.
  • Luganda inoti milundi mingi (often) kureva nguva zhinji. VaZigula inoti ntambo ino (this time). Mamwe mazwi: ntambo ntuhu (next time). Muda kana mwida (period).