Chindebele (chekuMaodzanyemba)
<- | Dzvanyai Pano: Kudzidza Chindeḅele | -> |
---|---|---|
Chindevere (Nde: Sindebele; Nge. Northern Ndebele) kana Chindeḅele pa Chishona, mutauro we Chibantu unowanikwa munyika dzinoti: Zimbabwe, Afurika Chamhembe neVutswana. Kunonzi zita rokuti Ndeḅele rinobva pakuti teba, zvichireva kunyura kumutauro weChitswana nokuti varwi veChindeḅele vainyura seri kwenhoo dzavo panguva yekurwisana nemuvengi. Chindeḅele mutauro we Chinguni izvi zvinoreva kuti unonzwisisika kuvamwe vanotaura mitauro yechiNguni (kwete mitauro dzese) sezvinoita mitauro yechiShona. Chindeḅele chinonzwisisika kune vanhu vanotaura Chizulu, Chixhosa kana Chiswati, asi Vazulu ndivo vanonatso nzwisisa Chindeḅele nekuti munhoroondo Chindeḅele chaive Chizulu, asi pavakazo paradzana ndipo pakasikwa Chindeḅele ne rusinga rwe Vandeḅele .
Chindeḅele chekuMaodzanyemba (chekwedu kuZimbabwe) chakasiyana ne Chindebele chekuAfurika Chamhembe.
Zita Chinjirudza
Chishona chinoti Chindevere, Chindevele kana Chindeḅele pachiiswa dhoti pazasi pe "ḅ" nekuti akasiyana neweChishona.
Mabhii e Chindeḅele Chinjirudza
Tafura ye Mabhi Chinjirudza
Mandeḅele vanoshanidsa Chiratini kunyora, asi vane mabhii avo anoenderana nemutauro wavo, nekuti Chiratini hachina manzwi arimo muChindeḅele .
a | b | c | d | e | f | g | h | i | j | k | l | m | n | nd | ng | o | p | q | r | s | t | u | v | w | x | y | z |
---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|
bh | ch | dl | gw | hl | jw | kh | lw | mp | nk | ndl | ngw | ph | qh | th | th | xh | |||||||||||
chw | gq | khw | mhl | nt
ntw |
ndw | ngx | tsh | ||||||||||||||||||||
gx | kw | ml | ny | ||||||||||||||||||||||||
kl | mtsh | nx | |||||||||||||||||||||||||
mph | nq | ||||||||||||||||||||||||||
mz | nj | ||||||||||||||||||||||||||
mng | nz | ||||||||||||||||||||||||||
mg | ns | ||||||||||||||||||||||||||
mb | nw | ||||||||||||||||||||||||||
nc |
Zvinzvovera Chinjirudza
Zvinzvovera kana Zvivaramwana
Nzvovera | Chindeḅele | Chisitandadhi Shona | Chirungu |
---|---|---|---|
a | amanzi | mvura | water |
e | eba | iba | steal |
i | ingwe | ingwe | tiger |
o | oma | oma | dry |
u | ugogo | gogo / ambuya | grandmother |
Mazwi ari pedyo ne eChishona Chinjirudza
Chistandadhi Shona | Chindeḅele |
---|---|
baba | ubaba |
pamberi | phambili |
kuseka | ukuhleka |
varimi | abalimi |
muvusi | umbusi |
vakadzi | abafazi |
mugwagwa | umgwaqo |
dhorobha | idolobha |
kushanda, kusevenza | ukusebenza |
kudya | ukudla |
chibage | magwere |
kufamba | ukuhamba |
rurimi | ulimi |
mhara | impala |
nyati | inyathi |
nzou | indlovu |
chanza | isandla |