Vandebele (vekuMaodzanyemba)

(runangakatsva kubva kuVandevere)
Vandeḅele
Huwandu: 3, 000, 000
Vanowanikwa: Zimbabwe (2,500,000 huwandu)
Mutauro: Chindeḅele
Chinamato: Ukristu

Chitendero che Chindeḅele

Vanhu vane hukama
Pakazhinji Vanguni (Vazulu)
muChishona
Munhu Umndebele Mundeḅele; Mundevere
Vanhu Amandebele Vandeḅele; Wandeḅele

Vandevere; Wandevere

Mutauro Sindebele Chindeḅele; Chindevere
Nyika

Vandeḅele (Nde: amaNdebele; vakabva kuVazulu vekuAfurika Chamhembe) kana Vandevere idzinza reVabantu kuChamhembe kwe Afurika. Vanotaura mutauro unonzi Chindeḅele paChivanhu, chavanoti Isindebele kana Sindebele.[1] Vandeḅele, avo vokuChamhembe vaizivikanwa seMateḅele ne Vasutu (Vasotho), kureva munhu aitaura Chinguni. Vasutu vaidana vanhu vose vaitaura Chinguni kuti 'Mateḅele', ndikosaka nhasi kune marudzi mashoma anogara pakati pevanhu vechiSutu anozviti Mateḅele. Ava vanosanganisira vanobva kuGaMashashane, Zebediela, neMokopane pedyo nePolokwane. Vanozviti Mateḅele zvichireva kuti vanobva kuNguni, kuMpumalanga neVusutu.

Mzilikazi, mtungamiri uye musiki weMthwakazi akararama panguva imwe chete naMambo Shaka pamusoro pezvo aitaura mutauro mumwe chete navo, Chizulu. Nanhasi chisiyano pakati Chindeḅele chemuZimbabwe ne Chizulu chekuAfurika Chamhembe hachina kukura, zvokutoti vatauri vendimi mbiri idzi dzinotogona kunzwisisana zvakanyanya ngokuda kweruzhinji rwe mashoko akafanana pakati pavo. Chingagona kusiyana mareketerwo angaitwa mazwi, kana inzwi yekureketa mashoko uye mashoko mashomanana angashandiswa zvakasiyana. Chimwe chokuziva ndechokuti, Chindeḅele chekwedu kuZimbabwe chinepesvedzero kubva kumitauro ye Vanhu vakatorwa na Mzilikazi paaiumba rusinga rwake. Paakabva kuAfurika Chamhembe akavinga Zimbabwe aine Vasutu ne Vatswana vakabatana naye pakutiza Mambo Shaka. Muzimbabwe, paakasviko kwainge kune dzinza rimwe rakangerakapatsanurwa richigara munzvimbo dzakasiyana pavhu reZimbabwe, dzinza iri rainzi Kalanga kana Karanga zvichienderana ne mutauronyina, nhasi maboka makuru edzinza iri ndiVakalanga, Vavhenda uye Vakaranga (Varozvi, Vanyai ne Vanyubi)

Nekuda kwesanganiso iyi, maitiro, tsika ne hunhu hwe Vandeḅele une kaHuzulu ne kaHuchivanhu kakanako. Nhoroondo ye Vandeḅele inorakidza kuti, madzitateguru ne midzimu ye mhuri dze Chindeḅele inoenderera ngokuti dzinza pavo mushure mekuitwa Mandeḅele yaive yipi. Nyamushi, Vandeḅele ndi Vandeḅele, Vashona (Vakaranga, Vakalanga, Varozvi uye Vanyai) vakasanganiswa muboka reVandeḅele vaveMandeḅele nhasi, havachiri Mashona, uye vamwe vanotorambakuti madzitateguru avo aive Vashona nekuda kwezveUpolitiko. Vandeḅele vaMzilikazi vaishandisa nhoo doko dzedehwe remombe kazhinji. Vanhu vechiNdeḅele vainziwo vaBatheḅele, ndipo pakabva zita ravo rokuti Amandeḅele. Zita ravo rinodanwa richishandisa "v", kwete "b" anowanikwa muChivanhu kana Chizulu ne Chindebele cheChamhembe, nekudakwe Chikalanga-Chikaranga.

Vanozivikanwa futi, vaVandeḅele vekuMaodzanyemba kana Vandeḅele vekuZimbabwe.

Zita ravo chinjirudza

Pachishona vanodana vachinzi Vandevere nekuda kwekushaya "le" uyezve "ve" anoshandiswa pamusoro pa "be", nekuda kwekuti "be" weChishona haataurwi zvimwe chete newe Chindeḅele.

-ḅe chinjirudza

Munogona kunge maongorora kuti "b" ane kadhoti pasi pake sokudai "ḅ", bhii iri rashandiswa kuitira vaye vasingazivi kuti "b" weChindeḅele anohwereketwa zvakasayina na "be", anowanikwa munoshoko ringe "bere", uyu ndi "be" aripedyo na "Ve" asi ane kahu "be" kaanako. Ibhii riripakati pa "Ve-" na be-".

Saka kuitira kuti vanhu varangarire tsananguro iri pamusoro, pazanhi rino, Ndebele ndi Ndeele.

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. "isiNdebele for beginners. Northern Ndebele language in Africa". www.northernndebele.blogspot.com. Retrieved September 14, 2019.