Chizulu
Chizulu (Chindebele: Sizulu; Isizulu) mutauro weSouthern Bantu webazi reNguni (kana dzinza revanhu vechiNguni) unotaurwa muSouth Afrika. Ndiwo mutauro weMazulu (kana Vazulu). Dunhu reVazulu rinonyanya kugara kuKwaZulu-Natal muSouth Afrika. Chizulu ndiwo mutauro wepamusha unotaurwa zvakanyanya muSouth Afrika (24% yevagari), uye unonzwisiswa nevanhu vanodarika makumi mashanu muzana (50% huwandu wevanhu). Chizulu chakava imwe yemitauro gumi nematanhatu yeSouth Afrika muna 1994. Chizulu mutauro wechipiri uchikundwa neChiswahili unotaurwa nevanhu vakawanda.[1]
ZitaEdit
VanguniEdit
ChizuluEdit
Shoko rekuti Zulu kuVazulu rinoreva zvinhu zvakasiyana asi zvese zvinoita nekuva pamusoro kana kumusuro:
- Izulu leli = Iri idenga (This is heaven)
- Ngiphezulu = Ndiri pamusoro. (I am on top)
- Izulu = Denga (Heaven)
- Phezulu = Pamusoro (above; up)
ChixhosaEdit
Chizulu neChixhosa mitauro yakafanana uye inonzwisisana nekuti dzese mitauro yechiNguni. Saka vane mashoko akafanana akawanda, chinogona kusiyana matauriro kana mashandisirwo emamwe mashoko sezvinoita Chizezuru neChikaranga (mitauro yeChishona).
- Izulu = Denga (Chirungu: heaven)
- Ndiphezulu = Ndiri pamusoro. (Chirungu: I am on top)
VashonaEdit
ChishonaEdit
MuChishona, zvivaramai zvekuti r na l zvimwechete, saka Zulu anoitwa Zuru. Iro shoko rekuti 'zuru' rinoreva zvimwechete muChishona sezvarinoita muChizuru kwarinonzi 'zulu'.
Zvisinei, muchirangarira kuti Chishona neChizulu mitauro yese iri miviri unoiswa mubazi rechiBantu. Nepo shoko rekuti 'denga' (heaven muChishona) neIzulu (heaven muChizulu) zvakasiyana. Asi mashoko ekuti 'usoro' uye 'soro' achibva kushoko rekuti 'pamusoro' ndiwo mashoko ari pedyo neshoko rekuti 'Zulu '.
- Phezulu = Pamusoro
- Izulu = Usoro (Usolo kana Shona yaive ne-'L', asi haina).
- Zulu = Soro (Solo kana Shona yaive ne-'L', asi haina)
Kune akawanda mashoko echiNguni neShona anogovera chirevo uye anoita kakunzwika zvakafanana. Zvakare pane mashoko anonyorwa kana kutaurwa zvakafanana uye anonzwika zvakafanana, kozoita mamwe asingareve zvinhu zvimwechete.
Enzaniso:
- izolo = nezuro / zuro (yersterday)
- Namhuhla = nhasi (today)
- rinonzwika sekuti "ndamuka" / "ndamutsa"
- Kusasa = mangwana (tomorrow)
- Muchishona Kusasa zvinoreva kuti "to tell a speech"
Kugoverwa kwemutauroEdit
Vanhu vekuZulu vanoenda kune dzimwe nyika vakaendesa kunzvimbo dziri padhuze, kunyanya Zimbabwe, uko mutauro weChindebele unonzwisisana zvakanyanya neZulu. Xhosa, mutauro unonyanya kutaurwa muEastern Cape, unowanzoonekwa seunonzwisisika nechiZulu, sezvakaita Northern Ndebele.[2][3]
NhoroondoEdit
Mazulu, saVaxhosa nevamwe vanhu vechiNguni, vakagara muSouth Afrika kwenguva yakareba. Mutauro weZulu unematinji akati wandei anowanikwa mumitauro yeSouth Afrika, isingawanikwe muAfrika yese. Vanhu vechiNguni vakagara pamwe chete nemamwe madzinza ekumaodzanyemba seMakhoisan (Vasan neVakhoi).
Mabhii eChizuluEdit
Chizulu semutauro zhinji wechiBantu vanoshandisa mabhii echiRatini avanoshandura kuti anzwike seChizulu nekuda kwekusiyana kwemitauro.
a | b | c | d | e | f | g | h | i | j | k | l | m | n | o | p | q | r | s | t | u | v | w | x | y | z |
---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|---|