Chiswahiri kana Chiswahili (sw. Kiswahili) mutauro we Chibantu unevatauri vakabva kuTanzania unotaurwa munyika zhinji dzeAfurika kunyaya kuMabvazuva, dzinosangananisa: iyo Tanzania, Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo, Kenya, Mazambuko, Vurundi, Rwanda, neVuganda. Chiswahiri mutauro weVaswahiri.

Chishona chinemashoko mazhinji akafanana neChiswahiri nokuti chakawanza kufanana nemitauro ye kumabvazuva eAfurika, uye zve ine mashoko mazhinji yayakatora kubva kuChiswahiri.

Chiswahiri pachacho, chinemashoko mazhinji achakatodza kubva kuChiarabhu uye kumimwe mitauro nekuda kweizvi chinotaurwa kakuru muAfurika nokuti munhu anokwanisa kutauro nezvemisoro yese ye nyaya neChiswahiri, kubva kuSainzi, kuenda kumasvomhu uye kuTarachisi. Nekuda kweizvi vanhu vazhinji vanotoda kuti Chiswahiri chive mutauro weAfurika.

HorokodzwaChinjirudza

Mashoko anotodza ChishonaChinjirudza

Chiswahiri Chishona Tsananguro
moyo, mtima moyo, mhumba
nyama nyama
usiku usiku, husiku
lini riinhi
chisekwe sekwe
kusamba kushamba
nzhiba njiva
makoa magaka
makamba mufarinya
mabuzu mauyu
nyati nyati
twiga twiza (furiramudenga)
ng'ombe n'ombe, mombe
jumbe jumbe, ishe
udongo dongo, udongo
kufa kufa
uzima uzima, vuzima shoko iri rakatorgwa kubva kuChiswahiri wo
upofu upofu
ndoto ndoto
mbwa imbwa
bata bata (dhadha) dhadha rakakuChinhuni, Chivanhu chaiti bata wo
tembo, ndovu nzou, zhou
ngoma ngoma
ngano ngano
njaa, ndaa nzara, zhara
baba baba
  • bambo/abambo, tate/atate, atsano
pole pole pore pore kureva "slowly"
mpofu mhofu
kula kudya
taka daka, dakara kureva "want"
bahari bhahari kureva "sea", shoko iri rakabva kuChiarabhu

rakatorwa ne Vashona kubva kuChiswahiri wo

jenga jenga

Mamwe mashokoChinjirudza

  • Swahili inoti shamba (garden), kureva bindu.
  • Swahili inoti mtume (Apostle), kureva nhume yaMwari.
  • Swahili inoti nyani (Ape) . Chinyani izita remhuri.
  • Swahili inoti nanga (Anchor) .
  • Swahili inoti maziwa (breasts) kureva mazamu.
  • Swahili inoti kwapa kana makwapa (armpit), kureva hapwa.
  • Swahili inoti mpaka kana mipaka (border or boundary), kureva mudzivo wenyika.
  • Swahili inoti jangwa kana majangwa (desert) kureva gwenga.
  • Swahili inoti bongo kana mabongo (brains) kureva huropi.
  • Swahili inoti mkate (bread) kureva chingwa.
  • Swahili inoti rushwa (bribe) .
  • Swahili inoti ukiwa (desolation; solitude) .
  • Swahili inoti mchana (daylight) kureva muswere wezuva.
  • Swahili inoti makaa (coals), kureva marasha.
  • Swahili inoti mavi (feces) kureva dhodhi.
  • Swahili inoti tawa kana matawa pakuwanda (frying pan of metal) .
  • Swahili inoti jicho (eye) kureva ziso.
  • Swahili inoti umbo kana maumbo (form; outward shape) kureva chimiro.
  • Swahili inoti chula (frog) kureva datya.
  • Swahili inoti majani (foliage) kureva kuveza

Mabviro eruzivoChinjirudza

ekunzeChinjirudza

  1. https://www.weltladen-moemlingen.de/download/swa_eng_dict_text.pdf