Ziso (kureva eye) pahuwandu tichiti maziso kana meso, ndiyo nhengo yemuviri inogamuchira chiedza kubva kunze kuti tikwanise kuona zvakatikomberedza. Ziso richinge ragamuchira chiedza rinotumira zvagamuchirwa kuhuropi uko kunovakwa mufananidzo wechinhu chiri kupa chiedza ichi. Pari kudzi chiedza pari kurehwa chiedza chinobva pazvinhu zvose zvatinooona tichisanganisira kubva pazuva kana mwenje. kuti mumhu aone chinhu ziso rinenge ratogamuchira chiedza kubva kune chinhu chiri kuonekwa.

Ziso

Vanhu nemhuka zhinji vane maziso ari pamusoro kana kuti pamaburi ari padehenya. Maziso ane ruvara rwakasiyana-siyana pavanhu vakasiyana.

  • Madzengerere (hazy vision) zvinoreva kana munhu asiri kuona zvakanaka imwe nguva chinhu chimwe chichiita kunge zviviri kana kusanatsa kuoneka panotangira chiro nepachinogumira kana kusanatsa kuona chimiro chechinhu kuti chakadini.
  • Munhu ane maziso asingaone anonzi bofu kana munhu akapofomara. Kune zvirwere kana mibato inokuvadza maziso izvi zvokonzera kuti maziso apofomare. Ziso rakapofomara rinonzi dondoro.
  • Chirapameso (Optometrist) zvichireva munhu anoita basa rekurapa maziso.

Nhengo dzeziso chinjirudza

  • Fungiro reZiso kana kuti ganda reziso (Eye-lid) ndiro ganda rakavhara ziso.
  • Mboni (pupil) ndiko kaburi kari pakati peziso.
  • Tsiye (eye-lash) ndiro bvudzi riri pamusoro nepazasi peziso.
  • Chombe kana chihombe (eye brow) bvudzi riri kumusoro kweziso pedyo nemhanza.
  • Kureyana kana kujonjora (to squint - of the eye).
  • Ubonyo (matter from the eyes).

Zvirwere zveZiso chinjirudza

 

Tsanga (eye cataract) chinhu chinokura muziso chinovhara mboni yeziso ichitadza kuona. Mamwe mazita rinopiwa tsanga iyi ndeekuti nhakara, gangara kana kuti chidoi.

  • Rhetinanhenda (Retinopathy) apa kureva chirwere chinobata nhengo yeziso inonzi rhetina, zvikurusei muvanhu vane chirwere cheDhayabhitisi.
  • Maranga (white discharge of the eye).
  • Kusvinuka kana kusvinura (wide awake, to beware, be sharp, to be mischievous).
  • Kusvinudza (cause to see).
  • Dandadzi (Weak vision) Harahwa iyo ine dandadzi: that old man cannot see a distant object.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Mazwi anoti ziso mabasi ari kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi naked eye kuEnglish, izvi zvichireva ziso riri kutarisa risina rubatsiro rwezviringiso zvakadai semicroscope kana telescope.
  • Kufura ziso (to take something out of the eye).
  • Izwi rokuti tsika ( squint, as of an eye) rinotaurwa kuKalanga richireva maziso emunhu anotarisa seakapesana pakuona. Matsika izita remhuri.

Zvirevo chinjirudza

  • Meso haana muganho. Eyes have no boundary.
  • Meso haana nzira. Eyes have no path.
  • Chinoshara meso muromo haushari. What chooses are the eyes and not the mouth.
  • Chinoshora meso muromo haushori. What despises are the eyes and not the mouth.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Tonga vanoti diso (eye) kureva ziso. Giryama vanoti dzitso (eye) kureva ziso. VaLozi vanoti taka (iris of the eye). Kinande vanoti akahwâ (n. cornea).
  • Mang'anja vanoti kutsinzina (to shut one's eyes close) kureva kutsinzinya kana kutsinzina.
  • Duala vanoti mutonga (n. eyeball). Shilenge vanoti toko (socket of an eye). Barawa vanoti ntoongo (cross-eyed).
  • Mang'anja vanoti kutuzula (to protrude as of glaring eyes) vachireva kutuzura maziso. Zigula vanoti mabaerenge (skew-eyed; skewed).
  • MaZulu vanoti umhlophe wamehlo (white of the eyes) kureva chichena cheziso. Mamwe mazwi: inxemu (Cross-eyed person, one who squints).