Lozi

(runangakatsva kubva kuVaLozi)

Silozi mutauro unowanikwa kuZambia neNamibia. Mutauro weSilozi une mamwe mazwi anotodzana nemazwi eChiShona.

Lozi

Mazwi Anotodzana chinjirudza

  • Lozi inoti kusinya (destroy), Shona ichiti kuchinya.
  • Lozi inoti kutima (breast; udder), Shona ichiti kudzima kureva zamu.
  • Lozi inoti kulima (agriculture), Shona ichiti kurima.
  • Lozi inoti feza, Shona ichiti kupedza kureva kusvitsa pakuguma.
  • Izwi rinoti kuwa (fall) rinoreva zvakafanana kuShona neVaLozi.
  • Batu kuVaLozi ndivo vanhu kuShona.
  • Lozi inoti Mulimu kana Nyambe (God); Shona ichiti Mwari.
  • Lozi inoti malilo kana mafu (funeral), Shona ichiti rufu, marufu kana ndufu.
  • Izwi rokuti kufula (graze) kuVaLozi rinotauwa richinzi kufura kuShona.
  • Lozi inotaura mulilo (fire), Shona ichiti moto.
  • Tate kana baba kuShona, ndivo ndate kuVaLozi.
  • Rurimi kuShona ndirwo lulimi (tongue, 2 language) kuVaLozi.
  • Lozi inoti kulwana (fight), Shona yoti kurwa kana kurwisana.
  • Tolongo (jail or prison) kuLozi ndiro jeri kana torongo kuShona.
  • Kubaba (Itch) kuVaLozi ndiko kuvava.
  • Lozi inoti musima (hole), Shona toti musimha.
  • Lozi inoti mupoti kana muenyi (visitor), Shona toti mweni.
  • Lozi inoti kupota (to visit), Shona toti kushanya.
  • Lozi inoti kuwani (hat); Shona inoti nguwani.
  • Lozi inoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro.
  • Lozi inoti musika (market) Shona inotiwo musika.
  • Lozi inoti mulao (law) Shona inoti murau kana murao.
  • Lozi inoti kulibala (forget) Shona inoti kurivara.
  • Lozi inoti mbowa (mushroom) Shona inoti hohwa.
  • Lozi inoti nama (meat) Shona inoti nyama.
  • Lozi inoti sando (hammer) Shona inotiwo sando kana nyundo.
  • Lozi inoti sulwe (hare) Shona inoti tsuro.
  • Lozi inoti simbi (metal) Shona inoti simbi.
  • Lozi inoti kuzuma (hunt) Shona inoti kuvhima.
  • Lozi inoti kupumula (rest) Shona inoti kupumhura.
  • Lozi inoti kufuma (to be rich) Shona inoti kupfuma.
  • Lozi inoti kubenya (shine) Shona inoti kupenya.
  • Lozi inoti peu (seed) Shona inoti mbeu.
  • Lozi inoti mati (saliva) Shona inoti mate.
  • Lozi inoti kulooza (sharpen) Shona inoti kurodza.
  • Lozi inoti kulube (pig) Shona inoti nguruve.
  • Lozi inoti likwali (partridge) Shona inoti chikwari.
  • Lozi inoti makwili (potatoes) Shona inoti magwiri kana mbatata.
  • Lozi inoti tafule (table) Shona inoti tafura.
  • Barotse vanoti liino (tooth) Shona inoti zino.
  • Njanji (railway) ndizvo zvimwechete kuLozi neShona.
  • BaRotse vanoti muloi (witch) Shona inoti muroyi.
  • Lozi inoti mukwakwa (road) Shona inoti mugwagwa.
  • Lozi inoti mukuwa (whiteman) Shona inoti mukiwa.
  • Lozi inoti kubulaya (kill) Shona inoti kuuraya.

[1][2]

  1. https://static1.squarespace.com/static/557edb36e4b0c3993dee95d1/t/57a50a889de4bb16f4342521/1470433951897/Silozi%2BEnglish%2BPhrase%2BBook.compressed.pdf
  2. "Archive copy". Archived from the original on 2020-02-20. Retrieved 2020-03-22.