Shoko rokuti mhuri (family in English) rinoreva vanhu vane ukama hweropa vanoti: baba, amai; vana vavo; sekuru naambuya vakabereka baba; vakoma nevanin'ina vababa; hanzvadzi dzababa zvichingodaro.

  • Mune kumwe kutaura mazwi anoti imba namhatso anoshandiswawo zvakare kureva mhuri. Sokuti imba yaChangamire yakatonga makore anoda kusvika makumi mana.
StateLibQld 1 187847 Biggs' golden wedding anniversary, 19 August 1912.jpg

Vanhu vemhuri imwe vanowanza kunge vachishandisa zita remhuri rakafanana. MuZimbabwe vanhu vemhuri imwe vane mutupo wakafanana.

Mhuri yakakura inotaurwa ichinzi buri.

  • Nhundu (A family and its belongings) apa kureva mhuri nenhumbi dzayo. KuChiChewa mtundu zvinoreva kind, tribe.
  • Mubereki kana mubari munch angava murume kana mukadzi akabereka mwana.
  • Dungwe (whole lineage from first ancestor until now).
  • Mapanze kana mabvumwa (quickness of human growth). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mapanzure.
  • Vatevedzani, ana budandibudewo kana varumudzani (children born one after the other).

TsikaChinjirudza

Govero kana magovero (1. Family name; 2. Stock of common descent). Zita rake rokuzvarwa regovero ndiMudzingwa: his chidao is Mudzingwa.

TsumoChinjirudza

  • Ane mhuri ndeane mhurikadzi, mhurirume inozvitsvagira. The one with daughters has a family; sons will look after themselves.
  • Pako hapana radoka. At your home there is no sunset.
  • Kwako hakuna radoka. At your home there is no sunset.

Mitauro yeAfrikaChinjirudza

  • Swahili vanoti mbari (family, clan, tribe). VaChewa vanoti mfunda (a family) kureva mhuri. VaTakwane vanoti mmudhi (n. family) kureva mhuri.
  • Nyungwe vanoti ubale (family) kureva mhuri. Mamwe mazwi: banja kana mabanja (n. family) kureva mhuri. Zigula vanoti nkolo (family).
  • VaLungu vanoti ulupwa (family) kureva mhuri. Mambwe inoti lupwa. Mamwe mazwi: umulupwa (in the family; relative) kureva mumhuri kana hama.
  • Ila inoti chilu (family. clan, race) kureva mhuri kana dzinza. Zulu inoti umkhaya kana ulusapho (n. members of the family) kureva vanhu vemhuri imwe.
  • Tonga vanoti ciinga kana mukwasyi kureva mhuri. Baila vanoti mukwashi kureva mhuri. Venda vanoti muta kana tshaka kureva mhuri.
  • Djimini vanoti sege kana sewe (n. family) kureva mhuri. Mamwe mazwi: sege (n. birth). Vei inoti tawa (n. kindred, relation, family).
  • Hadiyya inoti moollo (n. clan; lineage; close relative). Mamwe mazwi: moolli seera (n. community law).