Chiswahili

(runangakatsva kubva kuSwahili)

Chiswahiri kana Chiswahili (sw. Kiswahili) mutauro we Chibantu unevatauri vakabva kuTanzania unotaurwa munyika zhinji dzeAfurika kunyaya kuMabvazuva, dzinosangananisa: iyo Tanzania, Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo, Kenya, Mazambuko, Vurundi, Rwanda, neVuganda. Chiswahiri mutauro weVaswahiri.

Chishona chinemashoko mazhinji akafanana neChiswahiri nokuti chakawanza kufanana nemitauro ye kumabvazuva eAfurika, uye zve ine mashoko mazhinji yayakatora kubva kuChiswahiri.

Chiswahiri pachacho, chinemashoko mazhinji achakatodza kubva kuChiarabhu uye kumimwe mitauro nekuda kweizvi chinotaurwa kakuru muAfurika nokuti munhu anokwanisa kutauro nezvemisoro yese ye nyaya neChiswahiri, kubva kuSainzi, kuenda kumasvomhu uye kuTarachisi. Nekuda kweizvi vanhu vazhinji vanotoda kuti Chiswahiri chive mutauro weAfurika.

Horokodzwa chinjirudza

Muenzaniso wemashoko chinjirudza

Chiswahiri Chishona Tsananguro
moyo, mtima moyo, mhumba
nyama nyama
usiku usiku, husiku
lini riinhi
chisekwe sekwe
kusamba kushamba
nzhiba njiva
makoa magaka
makamba mufarinya
mabuzu mauyu
nyati nyati
twiga twiza (furiramudenga)
ng'ombe n'ombe, mombe
jumbe jumbe, ishe
udongo dongo, udongo
kufa kufa
uzima uzima, vuzima shoko iri rakatorgwa kubva kuChiswahiri wo
upofu upofu
ndoto ndoto
mbwa imbwa
bata bata (dhadha) dhadha rakakuChinguni, Chivanhu chaiti bata wo
tembo, ndovu nzou, zhou
ngoma ngoma
ngano ngano
njaa, ndaa nzara, zhara
baba baba
pole pole pore pore kureva "slowly"
mpofu mhofu
kula kudya
taka daka kureva "want"
bahari bhahari kureva "sea", shoko iri rakabva kuChiarabhu

rakatorwa ne Vashona kubva kuChiswahiri wo

jenga jenga
shamba bindu
mtume mutume, nhume
nyani nyani
nanga chipingo
maziwa mazamu
kwapa hapwa
mpaka muganhu, mudzivo
jangwa gwenga
bongo huropi
mkate chingwa
rushwa chifufuro
ukiwa ukata, undoga
mchana mushana
makaa marasha
mavi madhodhi
tawa pani
jicho ziso
umbo chiumbo
chula datya
majani kuveza

Mabviro eruzivo chinjirudza

ekunze chinjirudza

  1. https://www.weltladen-moemlingen.de/download/swa_eng_dict_text.pdf