Ngoma
Ngoma chiridzwa chinogadzirwa nedanda rine mhango pakati rinokakwa dehwe kune rimwe divi kana kuti mativi ose. Ngoma inoridzwa nemaoko kana nezvimiti.
Mhando dzeNgomaEdit
- Nguri (A kind of drum).
- Chiharamba kana dandanda (Short drum(made from hollowed-out section of tree-trunk).
- Dumba (Drum).
- Gandira (type of drum hung from the neck) mhando yengoma inoridzwa yakarembedzwa muhuro.
Tsumo netsikaEdit
- Kangoma kanorira kachiti kwangu kwangu - apa kureva kuti munhu kana achitaura anonatsa zviri kudivi rekwake.
- Kangoma kunyanya kurira kanotsemuka.
- Akaimba muimbi Oliver Mtukudzi - Pfavira ngoma zimhandara husiku hurefu.
- Ngoma muridzi wayo. The (sound of the) drum depends on the drummer.
- Ngoma muna wayo. The drum is (dependent on) its owner.
- Chingoma chiririsi ndicho chiparuki. The drum that sounds loudly is the one that bursts.
- Pfavira ngoma, husiku hurefu. (Be calm and take your time to do things).
- Kuridza ngoma nedemo: (to beat the drum with an axe) - zvinoreva kuita zvinhu nenzira inokuvadza. Nokumwe kutaura tingati munhu ari kuita izvi ave kufarisa.
Mitauro yeBantuEdit
- Mang'anja vanoti kuomba ngoma (to beat the drum; play the drum) vachireva [[kuridza] ngoma.
- VaZigula vanoti kuwamba (stretching leather or skins) vachireva kutatamura dehwe. Sokuti: Chiwamba ngoma mbiri. (We stretched two drumheads).
- VaZigula vanoti kuwambika (be stretchable - of leather or skins) vachireva kutatamuka kwedehwe. Kinande vanoti omuhinda (n. a big drum) kureva ngoma huru.
- VaVenda vanoti -omba (beat a drum) kureva kuridza ngoma. VaYao vanoti likunda (a large drum) vachireva ngoma huru.
- Mukutaura kwemazuvano mangoma zvinoreva nziyo zvikurusei nziyo dzemafaro dzakaita semuseve; ragga, reggae zvichingodaro.