Kuti muvane zvimwe zvirevo zveshoko iri, ringai: Ishe (tsauranisa chirevo)

Ishe (kureva Chief, Lord) kana She zvinoreva munhu akagadzwa kuti ange achitonga vanhu vanogara mudunhu. MuZimbabwe madzishe anotora zvagaro zvichienda nemhuri dzavakaberekerwa; mdzishe havavhoterwe. Ishe wechikadzi anonzi Shekadzi, uye Vakalanga vanoti wo Hekadzi.

Nyika ye Zimbabwe ine madzishe anodarika mazana maviri. Mukuru wemadzishe anonzi Ishe Fortune Charumbira.

  • Gombwa kana makombwa (Hereditary name especially of Cheiftainship) izita rinodanwa narwo Ushe hwedunhu sokuti Ishe Chinamhora kunyange zvazvo wacho akabata chigaro anokwanisa kunge asingashandise zita iroro sezita remhuri.
  • Senge mana (be in — of part of village).
  • Dendemaro (Throne) apa kureva chigaro choumambo. Izwi iri rinotaurwa kuChiNdau.
  • Ngundu (head-dress of chief).
  • Dzungudza (crown) kumururimi rweChiNdau. Kune zita remhuri rinonzi Zunguza.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Esther 5:1, ..... Mambo waiya akagara padendemaro rake roumambo.... : the king was sitting on his royal throne..... (kubva muBhaibheri reChiNdau).

Tsumo chinjirudza

  • Ishe kukura, nokuwandirwa. A chief grows with the number of his subjects.
  • Ishe, vanhu. The chief(dom) is (made by) people.
  • Ishe-ndishe, ngoya ndingoya. A chief is a chief (and) a kraal head is a kraalhead.
  • Ushe uruvirwa. Chieftanship is to be worked for.
  • Muzandiripo haarambiri pachigaro. A predecessor is not entitled to remain in the seat (indefinitely).
  • Ushe makota. Chiefship depends on the councillors.
  • Munhu kubata ushe makota. A person holding chieftainship is like (having) councillors.
  • Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya. The servant's (journey) has been foiled by the chief's (while) the chief's (journey) has been foiled by rain.
  • Ushe usiyiranwa. Chieftainship is a legacy.
  • Ushe idova hunoparara. Chieftainship is (like) dew; it evaporates.
  • Ushe imhute inoparara zuva rabuda. Chieftainship is (like) fog; it vanishes at sunrise.

Mitauro weBantu chinjirudza

  • VaYao vanoti chilambo kana lilambo (country, territory ruled by a single chief; flat country). VaGulu vanoti nyika (n. wilderness).
  • VaLenje vanoti mwame (Chief or headman of a village; free man not a slave). VaFwe vanoti murena (chief).
  • VaMakua vanoti ulupale (chief) kureva Ishe. VaMakua vanoti umwene (Chiefship) kureva hushe.
  • VaChewa vanoti umwenye (chief) kureva Ishe. VaTaita vanoti mzuri (chief, king) kureva Ishe.
  • VaKabwa vanoti mtemi (chief) kureva Ishe. VaNgala vanoti mokonzi (chief) kureva ishe.
  • Sesotho vanoti morena (n. Lord) kureva Ishe.

Ringai zve: chinjirudza