Ndarama
(runangakatsva kubva kuMukore)
Iyi isimbi ine ruvara rwakada kuita kunge pakati pezai mbishi uye riine kupenya. Simbi iyi inodaidzwa kunzi gold pa chiRungu. Simbi iyi ndiyo inokwanisika kupambadzirwa kupfura dzimwe simbi dzese. Inoshandiswa pakugadzira zvinemeso zvinodhura zvinenge mhete, ndoro, chuma. Inoshandiswawo kugadzira zvinhu zvemagetsi zvinodhura nekuti ino kwanisa kufambisa magetsi (conductor).
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Mukute kana Mukore (Gold) aya mamwe mazita endarama.
- Kuwonga Mukute (panning alluvial gold) zvinoreva kuunganidza mukute unowanikwa mujecha rerukova.
Tsika
chinjirudza- Nharangani kana shomekari (scarce object; rare) apa kureva chinhu chisingawanike nyore. Pamwe izwi rokuti nharangani ringashande kuzoturikira chinonzi rare elements kuEnglish.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Chewa vanoti chikudu (gold) vachireva ndarama.
- VaVenda vanoti ndalama (n. money) vachireva ndarama. Izwi rokuti ndarama rinotodza Greek inoti drachma (money).
- VaDigo vanoti nyiririka (to glisten; to be shiny) kureva kuvaima. Ko manyiriri kana unyirinyiri chimbori chii?
- Mandinka vanoti sani (n. gold) kureva goridhe. VaTonga vanoti kung'aima (v. glisten, gleam) zvichireva kuvaima.