Banda (Stretcher or bier) zvinoreva nhovo yakarukwa nematanda inoshandiswa parufu kutakura mutumbi wemufi kuenda kurinda. Chirukwa ichi chinoita matanda maviri marefu anenge akatandarika kwoitawo zvimwe zvitanda zvipfupi zvinenge zvakachinjika. Mutumbi unogadzikwa pazvitanda zvakachinjika. Vanhu vanotakura vari vana vakabata kwakaperera matanda marefu ari maviri.

Tichiwedzera kushandiswa kweizwi iri tinokwanisa kuti kana ne stretcher inoshandiswa kuchipatara inzi banda nokuti zvakafanana kuwumbwa kwazvo.

Vamwe vatauri vanoti hwanyadza asi shoko iri rinorevawo tafura kana chimwe chiro chingagadzikwa bokisi remufi asati avigwa.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaMakhuwa vanoti mtembo kana mitembo pakuwanda (bier) kureva banda.