Imbabindu

(Redirected from Imbajeke)

Pachinyorwa chino izwi rokuti imbabindu ari kushanda kuturikira chinonzi greenhouse kuEnglish.

Kare vakanga vane mapindu airimwa munguva yechirimo ainzi macheke, aya airimwa pedyo nerukova; pahumwe ronzi jeke. Apa panodaro paripo panobva zita reguta reMacheke. Mazuvano nokuda kwekuti kudiridza kwave nyore mabindu ave kurimwa chero upi mwaka - iye zvino green house ndiyo yoita sejeke.