Bindu (garden) inzvimbo inorimwa muriwo pamusha. kazhinji ndima inosevenzeswa sebindu inenge iri ndima ndiki, kana yava hombe inonzi munda. Madzinde anodyarwa mubindu inosanganisira madomasi, muriwo, bhinzi, nzimbe, mhiripiri, mabhanana nezvimwewo.

Kumadhorobha vazhinji vanodiridza nemvura inouya nepaipi; kumaruwa vanodiridza nemvura inotorwa murwizi kana mutsime. Kare vakanga vane mapindu airimwa munguva yechirimo ainzi macheke, aya airimwa pedyo nerukova; humwe ronzi jeke kana matsewe. Apa panodaro paripo panobva zita reguta reMacheke. Mazuvano nokuda kwekuti kudiridza kwave nyore mabindu ave kurimwa chero upi mwaka - iye zvino green house ndiyo yoita sejeke.

Mamwe Mazwi

chinjirudza
  • Mataga (temporary huts for watchers in gardens) apa kureva nhungu inoshandiswa nevarindi vebindu. Pahumwe kwonzi daga.
  • Pachinyorwa chino izwi rokuti Imbajeke riri kushanda kuturikira chinonzi greenhouse kuEnglish.
  • Chishande (Small agricultural plot allotted to unmarried boys and girls and to grandmothers) apa kureva bindu diki.

Mitauro yeBantu

chinjirudza