Mukudzeyi Mukombe (akaberekwa 4 Chikunguru 1987), anonyanya kuzivikanwa saJah Prayzah, muimbi wemuZimbabwe wemazuva ano uye ndiye mutungamiri mukuru webhendi reThird Generation . Anonyanya kutaurwa nezvake nevatsigiri pamwe nevezvenhau achinzi “Musoja”, zita raakawana zvakanyanya nekuda kwekupfeka yunifomu yebhendi rezvipfeko zvemauto apo paainge achiimba. Zita rekuti “Jah Prayzah” rinobva pazita rake, “Mukudzeyi”, zvichireva kuti “Murumbidzei”.

Horokodzwa yake chinjirudza

Mukombe akazvarirwa nekukurira kuUzumba, kwaMurehwa, kadhorobha kadiki kanowanikwa chinhambwe chinoita makumi mapfumbamwe nemashanu (95km) kubva kuHarare, gutaguru reZimbabwe. [1] Ndiye wekupedzisira kuzvarwa mumhuri yevashanu. Semukomana wechidiki aifarira kunyora, kuverenga mabhuku echiShona ababa vake, kushambira murwizi neshamwari, uye kuvhima mumasango. [2] Nguva nenguva aidzoka kumba nekabudura kake kakabvarurwa nekukwira mumiti . Chinonyanya kukosha ndechokuti aifarira kuimba. Tsika iyi akaiita kuburikidza nekuimba pamagungano epachikoro nepachechi, pamwe nekuridza mbira nemudzidzisi wake Mupa Musimbe. Paaikura uye hunyanzvi hwake hwekuridza mbira pahwainge huchivandudzika, Mukombe akanzwa kuzvivimba uye kufemerwa kuita zvido zvake zvekuimba. Vanhu vakatanga kuona chipo chake chemumhanzi nemutauro, uye vakamukurudzira kuti aite serious nazvo.

Mukombe, akadzidza paMusamhi Primary School uye akazoenda Musamhi High School kwaMutoko, mudunhu reMashonaland East . Akazobva anogara kuHarare kwaakasvikogara kwasekuru vake ndokuzopedza zvidzidzo zvake zvepamusoro kuHarare .

Usevenzi hwe mimhanzi chinjirudza

Mukombe akatanga kunyora nziyo achiri mudiki ari kuchikoro. Akatanga kurekodha mimanzi ye musambo wedancehall nereggae neshamwari asi zvakamutorera nguva kuti azoite mbiri yekuzivikanwa nenyika yose. Akazorekodha mhanzi yemazuva ano neafro jazztracks naDJ Thando nevamwe vagadziri vemuno, akaburitsa nziyo dzakaita sekuti "Sorry Mama" na "Seiko".

Akatanga basa rake muna 2005. Mugore ra2007, akabura dambarefu rake rekutanga rekutengesa, Sungano . Akazotsikisa mamwe madambarefu maviri anoti Rudo neRunyararo na Ngwarira Kuparara .Ngwarira Kuparara yakabudirira mune zvekutengesa uye yaive nenziyo dzinoti "Maria" uye "Dande", Dande yaina Chiwoniso Maraire . Ngwarira Kuparara akabudirira mune zvekutengeserana, uye akapihwa kondirakiti ne Wednesday slots at a local Harare pub called Jazz 105.

Muna 2013, akabura dambarefu rake rechina rinonzi Tsviriyo uye akahwina mubairo weNAMA werwiyo rweGore pakambo kanonzi “Gotchi Gotchi”. Muna 2014, akaburitsa Kumbumura Mhute . Mugore rimwe chetero akahwina mibairo yeNAMA mishanu nemibairo yeZIMA miviri.

Muna 2015, akavhura studio nyowani uye akaburitsa albhamu yake yechitanhatu, Jerusarema .

Basa rake rakanyanya kukosha kwaive kubatana nemuimbi akahwina mubairo wekuTanzania Diamond Platnumz parwiyo rwake rwakanyanya "Watora Mari", rwakasvika kutariswa anopfuura miriyoni paYouTube mukati memwedzi isingasviki yaburitswa. "Watora Mari" yakanakidzwa nekutamba kukuru paMTV base uye Trace Africa.

Musi wa2 Mbudzi 2018, Mukombe akaparura dambarefu rake rechisere rinonzi Chitubu . Iri dambarefu rine kushandira pamwe kubva kune vanozivikanwa vemuAfrica vaimbi vakaita saPatoranking naSauti Sol. Muna 2019, Mukombe akasarudzwa kuve Best Male Artist in Southern Africa mumaAll Africa Music Awards ( AFRIMAs ).

Muna Kubvumbi 2023, zvakaziviswa kuti Mukombe aisazoburitsa rimwe chete, asi maviri panguva imwe chete. Madambarefu aya ari kutarisirwa kuparurwa muHarare neBulawayo musi wa12 na13 Mbudzi.

Dhiskogirafi chinjirudza

Nhandarefu chinjirudza

  • Chiremerera (12 Chivabvu 2023)
  • Maita Baba (13 Chivabvu 2023)
  • Gwara ( 9 Chikunguru 2021)
  • Hokoyo (2020)
  • Chitubu (2 Mbudzi 2018)
  • Kutonga Kwaro (22 Nyamavhuvhu 2017)
  • Mdhara Vachauya (2016)
  • Jerusarema (2015)
  • Kumbumura Mhute (2014)
  • Tsviriyo (2013)
  • Ngwarira Kuparara (2012)
  • Sungano Yerudo (2010)
  • Rudo Nedzwi (2007)

Mikombe chinjirudza

  • MTV African Music Award 2016 - Muteereri Wekusarudza Mubairo
  • NAMA 2013 Mubairo weRwiyo Rwegore, "Gochi Gochi" [3]
  • 2013 Zimbabwe Peace ambassador award [3]
  • NAMA 2014 Awards - Outstanding Album, Tsviriyo
  • NAMA 2014 Awards - Outstanding Song, "Tsviriyo" [4]
  • NAMA 2014 Awards - Outstanding Male Artist, Jah Prayzah [4]
  • NAMA 2014 Awards - Outstanding Video, "Mwanasikana" [4]
  • NAMA 2014 Awards - People's Choice, Jah Prayzah [4]
  • Zim Dream Online award- 2014
  • NAMA 2016 Awards - Album yeGore [3]
  • NAMA 2016 Awards - Outstanding Male Artist
  • ZIMA 2016 Awards - Artist of the Year [3]
  • ZIMA 2016 Awards - Traditional Song of the Year "Jerusarema" [3]
  • ZIMA 2016 Awards - Album yeGore, Jerusarema [3]
  • ZIMA 2016 Awards - Collaboration of the Year, "Kure Kure" ft. Ammara Brown [3]
  • Zimbabwe Achievers Awards - Best International Music Artist uye akamboimba naNygyly Munyuki [3]
  • Zimbabwe Business Awards 2017 - Varaidzo Entrepreneur of the Year
  • National Arts Merit Awards (NAMA) 2018 - Artist of the year
  • African Entertainment Awards, USA (AEAUSA) 2020 - Entertainer of the Year chikamu kusarudzwa

Akaroora Rufaro Chiworeso uyo waakaimba nezvake murwiyo rwake Rufaro . Vane mwanakomana nevanasikana vatatu. Anewo mwanakomana kubva kumuchato wake wekare. Muna 2012, Mukombe akaburitsa pachena kuti chakavanzika chake chebudiriro chinobva kuna amai vake mushure mekunge vamukomborera mushure mekumupa US$7 000 sechipo pamabiko ebhavhadhe rake mugore ra2012. Jah Prayzah's networth muna 2022 inofungidzirwa paUSD20000

Ushanyi chinjirudza

Mukombe akaita mashoo akawanda pasirose kusanganisa, Ostireriya, [5] Bhuritani, Kanadha, United States, [6] Chayina ne Afurika Chamhembe

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. Robert Mukandiwa, About Us, Jah Prayzah Official Website. Retrieved:16 March 2014.
  2. Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named :0
  3. 3.0 3.1 3.2 3.3 3.4 3.5 3.6 3.7 Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named Singer
  4. 4.0 4.1 4.2 4.3 Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named sweep
  5. tour
  6. Bosho rekududza: Invalid <ref> tag; no text was provided for refs named :1