Mutemo wekubangwa kwehuremu

(runangakatsva kubva kuKubangwa kwehuremu)

Mutemo wekubangwa kwehuremu (Law of conservation of mass) unotaura uchiti, kana dandira rakazarirwa risingatendere kudarika kwehuremu nesimba, huremu huri mugumbapamwe hunofanirwa huramba husina kushanduka, huremu haufanirwe kushanduka kana pasina huremu hwawedzerwa kana kutapudzwa. Nokudaro tinoti pane kubangwa kwehuremu kana kuti kuchengetedzeka mukupfuura kwenguva. Mutemo uyu zvaunoreva ndezvekuti sebhe haigoni kusikwa patsva kana kuparadzwa, asi kutoti chete panogona kuva nokurongeka patsva kwezviro kuti zvive nechimiro chakasiyana. Saka zvoreva kuti panoita rupinguro rwemishonga kana rupinguro rweshomwe mugumbapamwe rakapfigirwa, huremu hwemishonga iripo pakutanga hunoenzana nehuremu hwemishonga iripo pakuguma.