Mutandira
Shoko rokuti Mutandira riri kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi system kuEnglish. Mutandira uri kurehwa unenge une: ndima ine miganhu yakatarwa, ine wamashandirwo ebasa nekufambiswa kwamashoko nemutowo wakarongeka. Zviitiko zvinowonekwa pakucherechedza mutandira, zviitiko zvinopota zvichidzokorora zvokuti zvinobvira kuziva zvichazoitika paMutandira munhambo dzakatarwa. Kana totaura pahuzhinji systems dzinenge dzichinzi mitandira. Pahumwe tinokwanisa kuti dandira.
Shoko rokuti mutandira rinodudzirwa kuEnglish richinzi regular organised procedure, system or community.
- Nekumwe kutaura tingati izwi iri rinoreva kubatanidzwa pamwe, munzvimbo imwe, kwezvinhu zvine ukama huri kutarirwa.
- Mutandira rinoonekwa pakuva nezvinhu zvinobatirana, nekurarama, nekudyidzana pamwe munzvimbo kana nhambo yakatarwa.
Kuti titsanangure Mutandira tinogona kusanganisira:
1. nhengo dziri paMutandira;
2. mashoko anodudza mashandirwo emabasa nendima dzinoshandwa nenhengo dzirimo;
3. mitemo inotonga nhengo dzirimo uye;
4. zvinyorwa zvinotaura ukama huripo pakati penhengo (elements, stakeholders) idzi;
5. nekutara miganhu yeMutandira, uye miganhu yezvinotenderwa kana kusatenderwa kuitika kana kuti kuva nhengo.
Mutandira une hukama hunosimbiswa neenzane pakati pezvinopimwa (equations & relationships), maitirwo ezvirongwa (procedures & protocols), zvinyanye (extrema), zvichingodaro.
Mutandira - co-existing or working combined together kana kuti regular organised procedure, system or community pakupirikira kuEnglish.
KuEnglish system inodudzirwa ichinzi any formulated, regular, or special method or plan or procedure or an assemblage or set of correlated members.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudzaKune Mitandira yakatsaukana inotaurwa KuScience anosanganisira:
- Mutandira weMushana kana Mutandira weZuva (Solar System).
- Mutandira Unopotereka Ropa (Blood Circulatory System).
- Mutandira Unowotesa Zvidyo (Digestive System).
- Mutandira Unopangidza Nzvimbo kana kuti Mutandira Unoratidza Nzvimbo (Geographic Positioning System) uchanzi MUNZVI muchidimbu.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Kutandira (Enclose with rope or wire) zvichireva kukomberedza netambo kana waya.
- Kutandira kana kutanda (climb as creeper plants do).
- Kutandira (spin as of spider) zvichireva kuruka dandadzi sezvinoita dzvatsvatsva.
- Dandira, dandadzi; mutandira; mutandiro (cobweb).
- Mutandiro kana Mutandira (enclosure inside of net for game).
Interesting facts
chinjirudzaSistema AFC is a Russian investment company. The main office is located in Moscow at the address: Mokhovaya Street, house No. 13. The company was ranked 308th on the Fortune Global 500 list in 2013.[1][2][3][4]
- ↑ https://biographe.ru/biznesmeni/vladimir-evtushenkov/
- ↑ https://neftegaz.ru/persons/333329-evtushenkov-vladimir/
- ↑ https://24smi.org/celebrity/4807-vladimir-evtushenkov.html
- ↑ "Archive copy". Archived from the original on 2023-05-23. Retrieved 2023-05-23.