Kubuda Mututu

Kubuda Mututu (epistaxis; haemorrhage from the nose) zvinoreva kubuda ropa nemumhuno.

Munhu anokwanisa kubuda mututu kana zvinotevera zvaitika:

  • Kutsva zvakanyanya mushure mekugara pazuva nguva refu,
  • Kutonhorwa zvakanayanya kuchiteverwa nekupiswa kwakanyanya,
  • Kurohwa pamhuno,
  • Kurovera kana kudhumira nemhuno,
  • Kuhetsura zvine simba,
  • Kurambofura dzihwa kunokwanisa kukuvadza mhuno nekubuda mututu,
  • Kunwa zvinwiwa zvinopisa kunyanya.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaKongo vanoti mululu (blood from the nose) kureva mututu.
  • VaGulu vanoti ku-lawa sakami (to bleed) vachireva kubuda ropa.
  • VaKinande vanoti omuleru (haemorrhage from the nose) kureva mututu.