Kudzimurira (kudzoredzera)

Shoko rokuti kudzimurira (1. Exercise authoritative or dominating influence over; 2. Moderate or control; 3. Direct) rinoreva maitiro ane chinangwa chokukonzera kuti vanhu kana zvinhu zvifambe mugwara rakatarwa riri kudiwa kuti rive ndiro rinotevedzwa kufambwa naro. Iri ishoko riri kushandiswa muzvinyorwa zviri pano richiturikira shoko rinoti control riri kuEnglish.

Somuenzaniso:

  • Dzimurira muchairi, arege kumhanyisisa motokari.
  • Kana usingadzimuriri mwana wako, achakura asina tsika.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kudzikinyidza (1. Constrain; 2. Something which controls what you do by keeping you within particular limits) apa kureva chinhu chidzora kana kudzimurira zvinokwanisika kuitwa - iri izwi ringagona kuzoshandiswa kuturikira regulator.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaVenda vanoti ndango (n. control) kureva kudzimurira. Mamwe mazwi: -langa kana -laula (v. control).
  • VaBemba vanoti teka (control) kureva kudzimurira.
  • VaBemba vanoti ubuteko (administration) kureva kutungamira?.