Kunyunyuta kana kutsutsumwa (doubt) apa kureva kusatenda kune mashoko ari kutaurwa zvichibva pakusagutsikana kuti zviri kurehwa ichokwadi kana kuti zviri kurehwa zvinobvira kuitika.

Kana mhosva ichitongwa, samutongi anoda kuti pave nehumbowo hwakakwana hunoti anosara asina kunyunyuta kuti mupomerwi akapara mhosva yaari kupomerwa. Hazvibviri kuti munhu anzi ane mhosva kana pachine kunyunyuta takatarisana nehumbowo wasvitswa pamberi pedare remhosva. Saka kunofanirwa kusvitswa humbowo hunobvisa kunyunyuta.