Humbowo kana umbowo (evidence in English) izwi rinoreva zvinhu zvose zvingashandiswa kutaridza kuti zviri kutaurwa kana kududzwa ichokwadi. Kazhinji humbowo hunodiwa kumatare anotanga mhosva, senzira yokutaridza kuti pane mhosva kana kuti hapana.

  • Mbowo (Witness).
  • Kukwapa (to gather or put together hearsay evidence).
  • Kukorokodza (1. Sift evidence. Examine critically, 2. Search for matter to incriminate someone, 3. cross examine). apa zvichireva kutsonyopodza.

Mitauro yeChiBantu chinjirudza

  • VaMambwe vanoti mboni (n. witness) kureva mbowo. VaHerero vanoti otyiraise kana otyiraisiro (proof).
  • VaWanga vanoti omuloli (witness; one who saw) kureva munhu akaona kana mbowo. VaTiriki vanoti muloli (witness).
  • MaZulu vanoti fakaza (v. 1. Give evidence, bear witness, testify; 2. Give evidence, bear witness, testify) kureva kupupura.
  • MaZulu vanoti isifakazelo (n. Testimonial, certificate). Muenzaniso: ukufakaza ngempenduko yakhe (to give testimony to his conversion).
  • VaVenda vanoti vhutanzi (n. evidence; proof).