Shoko rokuti kurutsa (vomiting in English) rinoreva kudzosa chikafu changa chamedzwa chichibuda kumuromo. Chiitiko ichi chinonyanya kuitika kana munhu ari kurwara kana kuti adya zvinodarika mwero.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Kudzurudzuta (Nauseate) zvinotaurwa pachinhu chinokonzera kuti munhu anzwe kuda kurutsa.
  • Izvi zvinodzurudzuta mwoyo: these things make me feel sick.
  • Ndiri kudzurungwa mwoyo: I feel nausea and pain.
  • -nenga kana svotwa (to be nauseated, to feel sick).
  • Muchimbo (nauseating quality of over-fatty food).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Chewa inoti bikula kana bukula vachireva kurutsa.
  • Bemba inoti ukulusha (v. to vomit) kureva kurutsa.
  • Kwanyama inoti kunga kana kungu (v. vomit) kureva kurutsa.