Kutizira mukumbo

(runangakatsva kubva kuKutizisa)

Shoko rokuti kutizira (Elope kuEnglish) rinotaura apo mwanasikana anotiza pamusha pevabereki achienda kumurume asina kumuroora pamberi pevabereki vake. Kazhinji musikana anotizira anenge abata pamuviri pasina roora rakabviswa. Kana zvadayi vaviri ava vanonzi vakatizisana kana kuti mukomana akatizisa kana kutizirwa zvichibva pakuti ndiyani akavamba nyaya yacho.

Kutizira mukumbo kunowanzoitwa panguva dzousiku apo musikana anotiza mumba oenda kumukomana. Muchivanhu chedu, atete vemusikana vanenge vachiziva kwaenda muzukuru wavo izvo variwo vanenge vachiziva mukomana womuzukuru wavo.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaWanga vanoti okhubayira (of a girl, go to live with a man who has not paid dowry or made the usual marriage arrangements; elope).
  • VaWanga vanoti okhubayisia (v. of a man, take a girl away as wife without having paid dowry).
  • VaWanga vanoti okhubayira na chenda (v. live with one man after another).