Mafutarubwe

(Redirected from Mandayebwe)

Mafutarubwe (Petroleum kuChirungu) imhando yemafuta anowanikwa pakati pemabwe, muvhu nemugungwa. Mafutarubwe anoshandiswa kugadzira peturu, dhiziri nemimwe mishonga yakasiyana. Mafutarubwe anowanikwa munyika dzemuAfrica dzinoti: Libya; Angola; Nigeria; neChad. Libya ndiyo iri pamberi pakuburitsa mafutarubwe.

Nyanzvi dzeduramabwe dzinoti, mafutarubwe imhando yemafukusirwa akashandurwa nepuresha uye kupisa kwemabwe ari pasi pevhu .