Muchidzidzo Fundoyetsimba, (Physics), puresha (Pressure) izwi rinotsanangudza huhwandu hweFosi iri kudzvanya pamusoro penharaunda yakapimwa. Puresha inopimwa nechiyero chinonzi Pascal kana kuti N/m2. Puresha inopimwa nerudzivo rwakarurama panharaunda yakadzvanyiwa nepuresha yacho.

  • Ngatiti semuenzaniso pane zviumbwa zviviri chimwe nechimwe chine huremu hwe 100kg.
  • Ngatitiyi chiumbwa chekutanga chakagara pauso hune nharaunda yakakura 1m2, chepiri chakagara pauso hune nharaunda yakakura 0,5m2.
  • Zviumbwa zviviri zvinondonzwa neFosi yegunganidzo yakaenzana nokuda kwehuremu hwakaenzana.
  • Asi chiumbwa chakagara pauso hudiki hwakakura 0,5m2 ndicho chinodzvanya nepuresha yakakura.

Tsazaniso yepuresha inoti, Puresha, P = (Fosi)/(Nharaunda)

Saka puresha iri pachiumbwa chekutanga = (100 x 9.8)/(1) = 980 N/m2

Puresha iri pachiumbwa chepiri = (100 x 9.8)/(0.5) = 1960 N/m2

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • Herero vanoti oku-ninikiza (n. pressure). Mamwe mazwi: ninikiza (pressure towards).
  • Herero vanoti oma-ninikiziro (n. trouble; pressure).