Masese (strainings; dregs) imhando yedoro rinobikwa munyika zhinji dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe. Doro iri rinobikwa kuchishandiswa chibage nechimera chezviyo kumaruzevha. Mumaindasitiri vanoshandisa chibage nechimera chemapfunde. Chibage chinoshandiswa kuita sitachi (starch) inova ndiyo inozoshandurwa kuva tsvigiri nemaenzyme anonzi α-amylase ne β-amylase anowanikwa muchimera. Tsvigiri idzi ndidzo dzinoshandurwawo kuva doro nembiriso.Masese itsvina inoburitswa panogadzirwa doro.Masese aya anoshandiswa sechikafu chemombe dzimukaka Munyika yeZimbabwe.Masese anotengeswa neDElta baverages

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaYao vanoti senga (dregs) vachireva masese.
  • VaSangho vanoti sese (n. earth, world, land; soil, ground). Mamwe mazwi: pupu sese (n. dust).
  • VaTiriki vanoti isese (small scraps or lumps, tiny lumps in badly cooked porridge, scraps of food sticking to teeth or fingers).