Masvingo

Masvingo eVhitori

Guta reMasvingo riri pedyo neMasvingo eZimbabwe. Guta reMasvingo kusvika mugore ra1982 raimbonzi Fort Victoria. Zita raro ndokubva razoshandurwa kwenguva pfupi rakunzi Nyanda. Mushure memwedzi mishomanini rakasoshandurwa zvakare rakunzi Masvingo sezvo zita rekuti Nyanda raisanyatsoita kumunhu wese.

Masvingo (2005)

Guta reMasvingo yakaumbwa nemisha inoti Mucheke, Rujeko, Rhodene, Target Kopje neEastvale. Misha iyi inosanganisira misha inogara vanhu vakawanda, inogara vanhu vakawanda zviripakati nepakati kozoita inogara vanhu vashoma.