Mugwazo (Piece Job; assigned task) ibasa rinopiwa munhu rokuti akanga apedza basa iroro anenge otenderwa kukumuka achienda kumba. Mhando yebasa rakadai inowanza kuwanikwa munzvimbo dzinorimwa dzakadai semaruwa nemapurazi. Kazhinji vakuru vebasa vanenge vachida kuti ndima iri kusakurwa ikasire yapedzwa saka vanopa munhu umwe neumwe ndima yake yezuva iroro. Nguva zhinji inenge iri mizera yaanofanirwa kushanda kuti munhu azokotoka achienda kumba.

Asiwo mugwazo unokwaniswa kuitwa kune dzimwe nzvimbo dzisiri dzekurima.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Barotse vanoti mukwazo (piece-work) kureva mugwazo.
  • VaLozi vanoti -kwaza (v.t. to complete an appointed task - derived from mukwazo) kureva kugwaza.