Mumera (batch of crops) zvinoreva zvirimwa zvakadyarwa panguva imwechete zvinotarisirwa kunge zvichikohwewa panguva imwechete. Pagore rimwe panokwanisa kuita mumera unodarika mumwe zvichienderana nokuti mbeu dzakadyarwa nguva ipi mumwaka.

Muzhizha munokwanisa kuita mumera wekutanga unodyarwa mwaka uchitanga, kwoitawo imwe mumera inodyarwa mwaka wava pakati. Kune vanokwanisa kudiridza kunoitawo mumera wemuchando.

Shoko rokuti mumera rakafanira kuti rive richishandiswa kuturikira izwi rinoti "batch" kuEnglish nokuti mumera ndiyo "batch yezvirimwa".

  • Mupandirwa, mubandirwa kana mubvukutwa (Early sowing. Crop that is sown early) zvinoreva mumera wezvirimwa zvakadyarwa mumunda wakarimwa negejo munguva yechirimo kusati kwanaya.
  • Mudzongwa (1. Planting in rainy season. 2. Crop sown in rainy season). Apa kureva mumera unodyarwa nguva yokunge mvura yatanga kunaya.
  • Bumhuri kana Mabumhuri, (Any young plant).

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Mumera womubvukutwa unoziyinura vane nzara: early crops relieve those who have been short of food.
  • Vanodzongera mudzongwa pamunhuruka: they plough the rainy-season crops into the ground at the first rains.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Chewa vanoti mmera (a young shoot).
  • Luwanga vanoti omumera (n. plant; shoot; that which has just sprung up) kureva mumera.
  • Shimaore vanoti mimea (n. plant) kureva mimera.