Musande Petro ne Mikeroni

Musande Petro ne Mikeroni (Fur: Saint-Pierre et Miquelon) kana Sando Pitero ne Mikeroni, uye zviri pamutemo Mukumbi weTeritori ye Sando Pitero ne Mikeroni uyezve muChifurenji zvonzi Collectivité territoriale de Saint-Pierre et Miquelon. Uyu mukumbi we teritori inozvitonga yemhiri kwemakungwa yeFuranzi kumaodzanyembaemadokero eGungwa re Atlandiki kudhuze ne Nyufaundilendi (Newfoundland) ne Rabhuredho (Labrador) purovhinzi ye Kanadha. Sando Pitero ne Mikeroni ndiyo yasara yenzvimbo yaimbova yakakura ye Furanzi Itsva. Vagari vemo ndiVasanyika veFuranzi; mukumbi inhengo yakazara ye Mbungano ye Dhidhizha uye inopinda musaruro reuseneta ne utungamiranyika. Inofukidza 242 km2 (93 sq mi) yenyika nemahombekombe uye yaive nehuwandu hwevanhu zviuru zvitanhatu nemazana masere kubva pasenzasi yemuna Kurume 2016.

Mureza we Msande Petro ne Mikeroni

Zvitsuwa zvacho zviri mu Gahwi ra Musande Rorenzo pedyo nepanopindwa napo pa Bhayi re Fochuni, inopinda mumhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweNyufaundilendi, pedyo ne Magombe Makuru e Nyufaundilendi. Musande Petro iri makiromita gumimbiri(12 mi) kubva kuPoyindi Mei (Point May) pa Mugimbakirwa we Bhurini we Nyufaundilendi (Burin pensula of Newfoundland) uye 3,819 km (2,373 mi) kubva kuBhuresti (Brest), guta riri padyo mu Furanzi ye Umetiroporiti. Iyo diki ye Chitsuwa chiZerere cheKanadha iri makiromita tanhatu (6 mi) kumabvazuva kwe Musande Petro, ingangoita pakati pePoyindi Mei.

Mashoko ashandiswa chinjirudza

  • vasanyika (citizens)
  • Mbungano ye Dhidhizha (National Assembly)
  • Saruro (election)
  • useneta (senatorial)
  • utungamiranyika (presidential)
  • senzasi (census)


Amerika Maodzanyemba

Andigwa ne Bharibhudha · Bharibhadhosi · Bhelize · Dhominika · Eri Savhadho · Girenadha · Gwatemala · Haiti · Hondurasi · Jamaika · Kanadha · Kosta Rika · Kyubha · Mabhahama · Mehiko · Musande Kitsi ne Nevhisi · Musande Rukia · Musande Vhinzone na Girenadhinezi · Nikaragwa · Panama · Rudhende rwe Dhominika · Trinidhadha ne Tobhago · Mubatanidzwa weMavusi

Nyika

Angwila · Arubha · Bherumudha · Bhonayi · Zvitsuwa zve Bhuritani Virigo · Zvitsuwa zva Kayimani · Kyurakao · Girinilandi · Ghaudhelupu · Matinike · Mondiserati · Chitsuwa Navhasa · Pweto Riko · Musande Bhatelemi · Musande Maritini · Musande Petro ne Mikeroni · Saba · Sinthi Ustashisi · Zvitsuwa zve Maturuki ne Kaikosi · United States Virgin Islands

Zvisi ne Materitori ekunze