Muchidzidzo chepimanyika , shoko rokuti muteremuko (gradient) rinodudza mwero wemukwidza kana kana materu zvichienzaniswa nepakati sandarara. Kuti tiwane nhamba inotaura muteremuko tinokwanisa kushandisa nzira mbiri.

  • Nzira yokutanga inotora govano iri pakati penhambwe dzapimwa pane hukwidza nepakati sandarara (rise and run).
d = nhambwe yemusandarara
Δh = hukwidza
l = nhambwe yemuteremuko
α = gonya remuteremuko
  • Nzira yechipiri inopima gonya riri pakati pemusandarara neuso hwemakata acho. Apa ‘’’muteremuko’’’ unenge wotaurwa semupimo wegonya.

Muenzaniso chinjirudza

Ngatitorei muenzaniso wemunhu ari kukwira manera kubva pasi kuenda pamusoro, padenga remba. Ngatitii zvakapimwa kuti chitsitsinho chemanera chakamiswa chiri 4 mita kubva kumadziro emba, uye nhambwe yokubva pasi kusvika padenga inopimwa kuita 8 mita.

  • Nenzira yokutanga inotora govano nhambwe yehukwidza (8 mita) nenhambwe yemusandarara uri pakati pemanera nemadziro emba (4 mita). Govano iyi inowanikwa iri 2.0; izvi zvoreva kuti 2.0 ndiwo muteremuko uripo.
  • Nenzira yechipiri gonya riri pakati pemanera nemusandarara ndiro rinopimwa kana kutsvakwa kuburikidza negovano dzePimagonyanhatu. Apa panenge poshandiswa govano inonzi tangent. Gonya riripo rakakura 63.4o.