MuKubika kweZimbabwe (roasted peanuts), mutetenherwa zvinoreva nzungu dzakakangwa.

Mutetenherwa

Nzungu dzinokangwa kana dzaoma; dzinokwanisa kukangwa dziine mateko kana kuti dzatokonhorwa. Nzungu dzakatokonhorwa dzinonzi musvo. vazhinji vanoti kana vokanga nzungu vanorunga nemunyu.

Nzungu dzakakangwa ndidzo zvakare dzinokuyiwa kugadzira dovi.

Munguva dzakare nzungu dzakakangwa dzakwanisa kuseveswa sadza.