Muzamhindo izita rinowanikwa muZimbabwe. Izwi rokuti kuza (to come) rinoreva kuuya, mhindo zvichireva rima. Saka muzamhindo chinhu kana munhu akauya kuine rima. Izwi rokuti kuza rinowumba mamwe mazita anoti: Chaza; Chiza; Muzanenhamo; Muzanarwo; naMuzanebanga.