Rima, dima kana mhindo (darkness) apa kureva kushayikwa kwechiedza kunosaka kunze kusvipe. Rima rinoonekwa kana zuva radoka kusisina chiedza kana kuti zuva radzikatirwa nemwedzi.

Tsumo chinjirudza

  • Kudyira sadza mudima rimwe zuva uchadyiswa negudo.
  • Mazita ari pedyo: Muzamhindo izita remhuri.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Baila vanoti mushinze (n. darkness) kureva rima. VaFwe vanoti kansikwe (darkness) kureva rima.
  • VaNdau vanoti chidima (darkness) kureva rima. Lingala inoti moindo kana moyindo (n. dark).
  • Bangala vanoti muíndu kana muíndo (n. black) kureva hutema. Fananidzai nokuti mhindo.
  • Lunda vanoti wuzhimu (without light. From zhima - extinguish) kureva rima.