Taramunyongo

(runangakatsva kubva kuNhara (Taramunyongo))

Taramunyongo (kureva radius) muchidzidzo chePimanyika, izwi rinoreva mutsetse unobatanidza goko redenderedzwa nemuganhu wedenderedzwa; taramunyongo ndiyo inotara panogumira denderedzwa. Muganhu wedenderedzwa une nhambwe dzakafanana panzvimbo dzose zvichibva pakati (centre) pedenderedzwa.

Izwi iri rinoshandiswazve kutsanangudza mutsetse unobatanidza goko reurungano, neuso hweurungano - uso hweurungano hune nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose kubva pakati.