Muchidzidzo Pimanyika, nhooina (tetrahedron kuChirungu) chiumbwa chemhando wenhoozhinji chine zviso zvina zvemhando gonyonhatu, uye zvitatu zvacho zvichisangana pachisuvi. Chiumbwa ichi chine micheto mitanhatu, nezvisuvi zvina. Pakupiwa kwezita, zviso zvechiumba zviri kufananidzwa nenhoo; kuverengwa kwehuwandu hwemativi aya ndiko kunopa chiumbwa zita racho.

Shepi inonzi Nhooina
Shepi inonzi Nhooina

Nhooina imhando yedumba ine shepi yegonyozhinji pahwaro hwayo nemativi matatu akaumbwa negonyonhatu anonosangana papoyindi imwe. Nhooina ndiyo shepi imwechete inodanwa kunzi dumba regonyonhatu (triangular pyramid).

Zvakanaka kuti tionesana kuti nhooina yega-yega ingaumbwa ine mburungwa yakakomberedza nenzira yokuti zvisuvi zvose zvenhooina zvinenge zvakabata pauso hwemburungwa iyi.

Mukumbanidzwa weNhooina chinjirudza