Mazwi anoti Chironzo Chemukowa kana ronzamukowa ari kushandiswa kuturikira chinonzi ergonomics kuEnglish.

Shoko rokuti chironzo (law) rinoreva mutemo. Shoko rokuti kuronza (to say, to tell, explain) rinoreva kuudza, kutaura kana kutsanangura. Saka tikati ronzamukowa zvinoreva kuti chidzidzo ichi chakaita somutemo unotaura, unotiudza pamwe nokutsanangura zvakanangana nemukowa kana mabatirwo, nechimiro chebasa. Shoko rokuti mukowa rinoreva basal rinorema - hard and dangerous work.