Rubatsiro rwemhepo (n. wind assistance) isimba remhepo rinosunda munhu richipamhidzira spidhi panguva yekunge munhu achimhanya mujawo. Simba iri rinopimwa nechipimo che wind gauge.

Nokuda kwekuti mhepo yebesu inowedzera spidhi yavamhanyi pamijawo yekuuruka (inoti (100 ne 200 metres), vanochengeta marhekodhi evamanyi vane mwero wavanotendera kuti rubatsiro rwemhepo rusadarika kuti rhekodhi yemumhanyi igamuchirwe. Kana spidhi yechipeperabesu ichidarika 2m/sec, rekhodhi yekumhanya haikwasi kugamuchirwa. Asi chimiro chekukunda pamijawo hachishanduki nokuti vamhanyi vose vanenge vachinzi vamhanya vaine rubatsiro rwemhepo rwakaenzana.