Chipeperabesu neChipeperahuma

(runangakatsva kubva kuChipeperabesu)

Chipererabesu kana mhepo yebesu imhepo inoperera yakananga divi rimwe rakanangwa nechinhu chiri kumhanya kana kubhururuka - kana zvotaurwa kuEnglish mhepo iyi inonzi tailwind. Chipererahuma kana mhepo yehuma imhepo inoperera yakananga divi rakadzivana kana kupesana nechinhu chiri kumhanya kana kubhururuka - kana zvorehwa kuEnglish mhepo iyi inonzi headwind.

Apo ndege inosimuka kana kumhara, zvinokurudzirwa kuti inge ichipinda muchipeperahuma nokuti bapiro rakadzivana nechipeperahuma rinowaniswa fosi yekukwira yakadarika fosi yekukwira pabapiro riri mumhepo yakadzikama kana chipeperebesu, nyangwe spidhi yakaenzana. Naizvozvo vatyairi vendege vanowanzo sarudza kusimudza kana kumharisa ndege dzavo dzakapesana nechipeperahuma. Asi mhepo yehuma haina kunaka apo ndege inenge yobhururuka mudenga nokuti zvinoderedza spidhi yendege ichipimwa maringe nepasi, izvi zvokonzera kudyiwa kwe fuel yakawanda. Kune rimwe divi, mhepo yebesu haina kunaka pakumhara nepakusimudza ndege, asi yakanaka kundege yava kubhururuka mudenga nokuti inosunda ndege kubesu, izvi zvoreva kuti ndege haichadya fuel yakawanda.

Kune vanochovha mabhasikoro, mhepo yehuma haina kunaka nokuti inoderedza spidhi yavo. Asi kana vachovhi vemabhasikoro vakaita rugundiya (vakatevedzana pedyo nepedyo), simba rechipeperahuma rinodererawo. Kune vanomhanya mijawo yetsoka zvikurusei mijawo iri pasi pe 200m mhepo yebesu inovabatsira kuita spidhi yakakwira - mijawo midiki iyi inomhanyiwa vakananga kudivi rimwechete pasina kutenderera. Naizvozvo vanochengeta marhekodhi havanyori rhekodhi yagonekwa nerubatsiro rwemhepo apo mhepo yechipeperabesu inenge ine spidhi inodarika 2m/sec.