Rhashiya

(runangakatsva kubva kuRussian Federation)
Rufedherari rwe Rhashiya
Chirhashiya: Россия, Rossiya

Rhashiya (Chirhashiya: Россия, Rossiya) kana Rufedherari rwe Rhashiya, iziwumbemhiri renyika inotora Mabvirazuva e Yuropu ne Maodzanyemba e Ezhiya. Ndiyo nyika ikurusa pasirose ne unda hwunofukidza 17,098,246 skweya makiromita (6,601,670 sk mi), uye inotora kamotsi-ka-sere (1/8th) hwe nzvimboguru (landmass) yepanogarika pe Rinopasi. Rhashiya inotandavara kukirosa mazoni enguva echiguminerimwe uye inoganhurana ne nyika guminena ne ivhu (wakawanda pasirose, pamwe ne Chayina). Rhashiya ino gova miganhu yakafaruka ne dzimwe nyika mbiri, uye iri pachinzvimbo che chipfumbambwe chenyika dzine huwandu hukurusa hwe vanhu pasirose uye muYuropu, nehuwandu hwe vanhu unosvika 146 miriyoni. Gutaguru rayo uye guta rikurukuru iMoskowu, ndiro rikurukuru muYuropu yose. Musande Petrobhegi (Saint Petersburg) iri pachipakati chetsika ye Rhashiya uye guraguru rechipiri. Mamwe maunda ari ebheni makuru anosanganisa Novhosibhirisuki (Novosibirsk), Yekaterinibhegi (Yekaterinburg), Nizhini Novhugorodhi (Nizhny Novgorod) ne Kazani.