Musarisanganise ne Rwizi Jorodhani (Yuta)

Rwizi Jorodhani

Rwizi Jorodhani (Chiarabhu: نَهْر الْأُرْدُنّ, Nahr al-Urdunn; Chihebheru: נְהַר הַיַּרְדֵּן, Nahar ha-Yarden; Chirisiria chekare: ܢܗܪܐ ܕܝܘܪܕܢܢ), inozivikanwa futi sa Nahr Al Sharieat (نهر الشريعة), rwizi Jorodhani rwakareba makiromita mazana maviri neshanu (156 mi) kuMiddle East runoyerera ruchida kuchamhembe kuenda kumaodzanyemba kuburikidza ne Bhahari re Garireya (Chihebheru: כנרת Kinneret, Chiarabhu: Bohayrat Tabaraya, zvichireva kuti Nyanza reTibheria) uye kuenda kuBhahari Rakafa. Jorodhani ne Urefu we Golani (Golan Heights) dzakaganhurana nerwizi kumabvazuva, ukuwo Gombe reMadokero reJorodhani neIsiraeri vachirara kumadokero. ZveseJorodhani ne Gombe reMadokera zvinotora mazita awo kubva kurwizi iri.

Zita chinjirudza

Rwizi Jorodhani kana Rwizi Yorodhani zvinoreva "kuyerera zasi".