Svutugadzike ichena (kureva white tea) zvinogona kureva mhando dzakasiyana dze svutugadzike pakazhinji ine mashizha madiki kana akapuroseswa e dzinde re musvutugadzike. Parizvino hapana chirevo che svutugadzike ichena chinotodzwa, uye pane bvumirano idoko nezvazvo; mamwe masosi anoshandisa neno iri kureva svutugadzike yakaomeswa isina zviwedzerwa zvakapuroseswa, vamwe kusvutugadzike inogadzirwa ne mabhadzi uye mashizha asati akura anotorwa mushure mekuvhurika kwe mabhadzi uye asati a-wither nekuoma nekuda kwe zuva, asi vamwe vanosanganisa mabhadzi e svutugadzike ne mashizha madoko akastimwa kaka kuiswa pamoto asati aomeswa.

Zvirevo zvakawanda zvinobvuma, zvisinei, kuti svutugadzike ichena hayi rholiwe kana kuoksidhaizwa, zvichiita kuti flevha iwe "yakapfawa" kudarika svutugadzike dzi zerere kana dzi tema.

Kunyangwe hazvo zita rayo richinzarwo, svutugadzike iyi inotapira, uye yakavira ine ruvara rushora. Zita rayo rinobva pa mavhudzi machena-sirivha anowanikwa pamabhadzi asina kuvhurika edzinde re musvutugadzike, izvi ndizvo zvinopa ruvara rwayo rwunenge ruchena. Mabhadzi asina kuvhurika anoshandiswa pamhando dze svutugadzike chena.

Inokororwa kakawanda kuChayina, kauwande kudunhu reFujian, asi kazhinji murizvino inogadzirwa kuTaiwan, Mabvirazuva e Neparu, Vuthai, Gale (chamhembe che Sri Lanka) uye kumaodzanyembaemabvazuva e India.

Tarisai futi: chinjirudza