Skweya

(runangakatsva kubva kuTsazano)

Muchidzidzo chePimanyika (geometry), skweya (square) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonya ina dzose dzakaenzana. Skweya riri mumupanda wegonyaina.

Pimamuganhu neNharaunda chinjirudza

Pimamuganhu yeskweya rine mativi akareba nhambwe K inowanikwa netsazaniso inoti:

Pimamuganhu, P = 4.K,

uye Nharaunda yeSkweya inowanikwa netsazaniso inoti:

Nharaunda, A = K2

Zvifaniro zveSkweya chinjirudza

Skweya iri mumupanda wegonyaina tsazamativi neruramamakonyo, saka zvinoreva kuti ine zvose zvifaniro (properties) zviumbwa zviviri izvi; sokuti:

  • Guramakonya mbiri dzinochekana negonya re 90o uye dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.
  • Guramakonya dzeSkweya dzinocheka makonya muzvikamu zviviri zvakaenzana.
  • Mativi akatarisana eSkweya akaenzana uye akati sambamba.
  • Guramakonya mbiri dzeSkweya dzakaenzana
  • Makonya ose ari mana eSkweya akaenza ari 90o