Unenaruvambo kana Ruambaruvambo (Nge. etymology, kubva paChigiriki: ἐτυμολογία (etumología)) zvinoreva chidzidzo chenhoroondo yemafomu eururimi[1], kureva nhoroondo yekunyorwa uye kududzwa kwemashoko, uye mapereterwo ne kushanduka kwemadudzirwo awo[2][3] Nekuwedzera, unenaruvambo hwemashoko akanyorwa zvinoreva mavambo uye kukura kwawo munhoroondo.[4] Unenaruvambo inoita nezvemhando uye zvirevo zvekare zvemashoko, asi kwete nezvinorevwa ne mashoko amazuvano.[5]

Kune mitauro ine nhoroondo refu yakanyorwa, maambaruvambo anoshandisa zvinyorwa, uye zvinyorwa zvinotaura nezvemutauro, kuunganidza ruzivo pamusoro pemashandisirwo aiitwa mazwi mukati menguva dzekare, kuti akakura sei muchirevo uye chimiro, kana kuti riinhi uye sei akapinda mumutauro. Maambaruvambo anoshandisa wo nzira dze uenzanisa ururimi (comparitive linguistics) kuwakazve horokodzwa nezvemafomu asakara-sakara zvekuti horokodzwa hayikwanise kuwanikwe.

Nekuongorora mitauro ine hukama nehunyanzvi inozivikanwa senzira ye mutowo we uenzanisa (comparative method), nyanzvi dze ururimi (linguists) dzinogona kuita fungidziro pamusoro pemubereki wemitauro uye mazwi ayo. Nenzira iyi, midzi yezwi mumitauro ye Yuropu, semuenzaniso, inogona kurondwa nzira yese kudzokera kumavambo emhuri ye mitauro ye Indo-Yuropu.

Kunyangwe tsvakiridzo ye unenaruvambo yakatanga kukura kubva kutsika ye rudorokudzidzo (philological), kutsvagisa kwazvino unenaruvambo kunoitwa pamhuri dze mitauro uko kunowanikwa zvigwaro zvishoma kana kusavapo kwazvo, sechiUrali ne chiOstronezhiya.

Unenaruvambo chinjirudza

Tarisai futi peji rokuti: Kuturikira Chivakamberi logy)

Shoko rokuti unenaruvambo rinobva paizwi re Chigiriki rokuti ἐτυμολογία (etumología), iro pacharo kubva ku ἔτυμον (étumon), rinoreva "maturo echokwadi kana pfungwa ye chokwadi", uye chivakashure -logia, chinoreva "kudzidza kwe".[6][7]

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. https://www.merriam-webster.com/dictionary/etymology
  2. https://en.wikipedia.org/wiki/The_New_Oxford_Dictionary_of_English
  3. https://www.dictionary.com/browse/etymology
  4. https://www.merriam-webster.com/dictionary/etymology
  5. "Archive copy". Archived from the original on 2022-06-29. Retrieved 2022-04-14. 
  6. https://www.etymonline.com/?term=etymology
  7. https://www.perseus.tufts.edu/hopper/text?doc=Perseus:text:1999.04.0057:entry=e)tumologi/a