Shomwe yehatomu

(runangakatsva kubva kuUsomo (hatomu))

Shomwe yehatomu (Atomic Nucleus) zvinoreva nzvimbo iri pakati pehatomu panova ndipo pane maProton nemaNeutron. Huremu hwose hwehatomu hunowanikwa pashomwe, chikamu chidiki chehuremu chiri gute rema electron. Shomwe yehatomu yakadumbunurwa kekutanga mugore 1911 naErnest Rutherford achitsangangura zvakanga zvacherechedzwa mutsvakurudzo yakaitwa naHans Geiger achishanda naErnest Marsden.

Kududzira Zita chinjirudza

Izwi rokuti nucleus rakabva pazwi reLatin rokuti nuc rinoreva little nut, kernel or core - apa kuchirehwa chikamu chenzungu chakapfava, chinodyiwa chisiri mateko. Saka pano kuturikira kernel kuChiShona tinenge toti shomwe kana kuti usomo. Usomo kana kuti shomwe zvinoreva mhodzi dzinowanikwa mukati memateko enzungu kana pakati petsongoro pamichero yakadai sehacha kana pfura - idzi dziri mhodzi dzakapfava uye dziine mafuta.

Atom riri kunyorwa kuChiShona richinzi hatomu kuitira kurerutsa kunyora pahumwe zvose nehuwandu uye kunzvenga kunyora ana aa vakateedzana vangatadzisa kuverengeka kuri nyore. Kuverenga panoti hatomu kunenge nyore pane kuti maatomu. Saka two Atoms dzinenge dzonzi hatomu mbiri rimwe richinzi hatomu rimwe.

Zvose zvinowanikwa pashomwe zvinenge zvonzi ushomwe - nucleons.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Mazwi ari pasi aya zvichida angabatsira kuturikira chinonzi atom.

  • Xilenge vanoti kuava (v. to separate a portion). Mamwe mazwi: kuavalaka (to be scattered).
  • Xilenge vanoti kuavalasa (to scatter). Mamwe mazwi: kuavana (to be separate; set apart from). Ciavanyiso (a portion).