Uvi (nge. evil) Uipi, mukujaira kufunga kwevanhu zvinoreva mutsananguro we icho chisiri - chipokano kana rushaikwa rwe Hunaku (unake). Izanodzamu yakakura, kunyangwe ichishandiswa zvakatetepa mumazuva ese inowanzo shandiswa pakutaura nezve hutsinye hwakadzama uye kupesanisana ne hunaku. Unowanzo vonekwa kunge unotora mafomu akasiyana, senge fomu ye uvi hwe ufukaunhu mumunhu pachake unowanzo sanganiswa ne shoko racho, kana uvi uharirwe (senge kuti zvikonzero zve madhizasta maharirwe kana zvirwere), uye muzvitendero, vanhu vanofunga kuti zvikonzeresi madhimoni kana supanachurali.[1][2] Mamwe maonero ezvitendero, maoenero e pasirose, uye zvigondamano zvinotarisisa "hunaku vs. uvi", vamwe vanoramba uzima hwe uvi uye kushanda kwahwo pakutsanangura hunhu hwe vanhu.

Horokodzwa huru chinjirudza

Nhu chinjirudza

Tarisai peji re: Nhu kuwana ruzivo rwakadzama

Uvi kushayikwa kwe hunaku. Senge kuti, Mwari ndivo hunaku saka Ivo vakabva panzvimbo unake hwunoenda navo, uye kana hunaku hwukaenda panenge pabva Mwari nzvimbo yacho inosara isina hunaku chinosarapo iUvi by default. Hunaku hwakasikwa asi Uvi hwakagara hungoripo (kunyangwe mukatarisa Mavambo pakutanga Mwari pavakasika denga ne nyika vakaronga nyika ngokuti yainge isina urongwa wacho). Urongwa / raya (order) rwakasikwa na Mwari asi disorder (jakajiriri [3]) yakange iripo, kuti order isikwe paifanhira kunge pasina order yacho, zvichireva kuti paive ne disorder/chaos (jakajiriri/ngarara[4]). Pamusoro pezvo kuti order itsanangurwe panofanhira kunge paine disorder/chaos ye kuyenzanisa nayo. Mutowo uyu kana kuti nzira iyi inoshandiswa zvimwe chete pakutaura nezve Uvi uye Hunaku, kuti munhu agone kuongorora uvi anofanhira kunge akaziviswa kuti hunaku chii.[5]

Vanhu vakasikwa na Mwari (Mwari vane hunaku uye ndivo unake), pakutisika pavakaita vakatisika ne 'nhu' yavo (unhu) yavakaisa matiri ndosaka tichinzi mu-nhu. Mu zvichireva kuti (one who is/that which is in) uye nhu (principal being, force, quintessential life force). Asi pano pasi tinoziva kuti Mwari ndivo vega vari "principal" (mutanga aripo, mumotsi), saka kuti isu tive munhu (one who is/that which is in a principal force) zvinoreva kuti takapiwa iyo 'principal force' ne Uyo ainge anayo zvichireva Mwari. Tiri principal being/within principle being nekuti zviri matiri zviri munaMwari, munhu irwizi rwunoyerera rwuchipiwa mvura na Mwari. Mwari pachake anonzi wo Mw/Mu-ari (One who is/that which is in existence) - ngokuti akange angoripo ndosaka aive principal force/being (nhu).[5]

Zvichidaro uvi imhedzisiro (result) ye kushaikwa kwe unake, jakajiriri imhedzisiro ye kusavapo/kushaikwa kwe urongwa, ruvengo imhedzisiro yekushaikwa kwe rudo zvichingodaro.[5]

Mamwe mashoko chinjirudza

Mashoko anotodza chinjirudza

  • Uyipi, Huyipi, Huipi - kubva pashoko rokuti kuipa
  • Uvi, Huvi - kubva pamashoko ekuti vi, ivi, chivi, mavi

Mashoko anopoka chinjirudza

  • Unake kana Hunaku - kubva pamashoko ekuti manako, manake, kunaka, runako, hunako zvakangodaro

Mashoko ashandiswa chinjirudza

Mamwe mapeji ekutarisa chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. enwiki
  2. Griffin, David Ray (2004) [1976]. God, Power, and Evil: a Process Theodicy. Westminster. p. 31. ISBN 978-0-664-22906-1.
  3. Vashona, "disorder" Yakatariswa: 14 Chikumi 2021
  4. Vashona, "chaos" Yakatariswa: 14 Chikumi 2022
  5. 5.0 5.1 5.2 Naka Majid, 2022, 'Funga Neni' peji 28-32. Yakaverengwa: 2022