Zenda (fiance in English) zvinoreva murume anotarisirwa kunge ari kuroora musikana. Izwi iri rinoshandiswa pane murume akazivisa kuna tete vemusikana kuti anoda kuroora. Chiratidzo chokuda kuroora kupa nduma kumusikana.

Mitauro yeBantuEdit

  • Taabwa vanoti masenda (n. engagement; betrothal; espousal) chivimbiso chekuroorana.
  • Taabwa vanoti kusendeka (n. make an engagement) kuita chivimbiso chekuroorana.
  • Taabwa vanoti kusenda (v. take; take over; carry; carry away; carry off) kutakura.
  • Sangho vanoti zendo (n. promise).