Musikana
Musikana (girl) zvinoreva nzvari yemunhu achiri mudiki, kana ari mukuru anonzi mukadzi. Shoko iri rinoshandiswazve kutaura munhukadzi achiri mhandara, asati aziva murume. Shoko rekuti mukadzi rinoshandiswazve kutsanangura chero nzvari yemunhu zvisinei kuti ane makore mangani ekuzvarwa.vasikana vashanu kubva pazana vavakuziva varume vachiri nemakore gumi ekubirekwa. Mukadzi asati aroorwa kana asati ava nemwana musikana hazvinei kuti anoziva varume here.
Mamwe MazwiEdit
TsumoEdit
Mitauro yeBantuEdit
- VaFwe vanoti mukazana (girl) kureva musikana. VaGiryama vanoti musichana (n. damsel, girl) kureva musikana.
- VaChewa vanoti butu kana mautu pakuwanda (a girl/girls). VaDigo vanoti msichana (girl) kureva musikana.
- VaNyungwe vanoti mtsikana kana atsikana pakuwanda (girl/s) kureva musikana. VaKunda vanoti kasimbi (a small girl) kurfeva musikana mudiki.
- Baila vanoti mwana mushimbi kureva mwanasikana. Mamwe mazwi: kashimbi (small girl). VaLenje vanoti musimbi (big girl, young woman) kureva musikana mukuru.
- VaDigo vanoti mwari (girl who is betrothed or engaged to be married), musikana akavimbiswa kuroorwa. Maconde vanoti mwali kureva musikana.
- VaMaconde neVaMambwe vanoti mwali (girl - after initiation; a young woman of marriageable age), musikana akaita chinamwali.