Zita remusere

(runangakatsva kubva kuZita musere)

Zita remusere (name of endearment, pet name kuChirungu) izita rinodanidzwa munhu kazhinji nenzira inoratidza rudo rwuripo pakati pemunhu ari kudaidzwa neuyo ari kudaidza. Vabereki vanodinga mwana wavo vanokwanisa kuzviratidza kuburikidza nekudanidza zita remusere, muenzaniso ndewekuti Samusha ari mwanakomana kana Chivaraidze ari gotwe. Mazita emusere anogona kunge kuri kutaura zita remhunu muchidimbu, kana kutova rimwe zita rinotumidzwa munhu uyu. Somuenzaniso zita raOliver Mtukudzi rokuti Tuku izita remusere.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Shoko rokuti kudinga (to treat with affection and tenderness) rinotaura kutaridza rudo.